SAMUEL NJINGA
Muchiitiko chinoratidza kukosheswa kweMadzimambo munyika, vhiki rapera nemusi weMugovera mutungamiri wenyika President Emmerson Mnangagwa, vakaratidza ruremekedzo gwavo kuna Mambo Fortune Charumbira kuburikidza nekuvanyukura kubva mugurumwandira kuti vazogara navo pazvigaro zvepamanhengatenga pagungano rekupemberera kuinda kunogara neMusiki kwakaita Yasha Mafidi Mnangagwa uyo anove muzukuru weMutungamiri wenyika.
VaCharumbira vedu vakasarudzwa kuve President wePan African Parliament. Saka toda kuvaremekedza VaCharumbira vavuye vagare kuno kumberi. Vaya vanoyimba yimbai henyu VaCharumbira vachivuya kuzogara kuno kumberi.” Vakadaro Mutungamiri wenyika.
Mashoko awa emutungamiri wenyika akatevegwa nemhururu nemuridzo rumwe ruchideedzera nekufarira ruchiti: “Sipambi!” apo paiimbwa nziyo yaJah Prayzer: “Kutonga kwaro” VaCharumbira vachiinda kunogara kumberi.
Vachitaura pagungano iri iro rakaitigwa mumusha wavo kuBikita, Mutungamiri wenyika vakabudisawo pachena kuti nzvimbo yoga-yoga ine Madzimambo anotonga nekudaro Madzimabo awa anofanigwa kuti aremekedzwe. Mutungamiri wenyika vakapawo rukudzo gwavo kuna Mambo Gono avo vanove Mambo wenharaunda yavagere. Mambo Charumbira avo vakanogara pamwechete nemutungamiri wenyika, Mudzimai weMutungamiri wenyika, vanakomana vemutungamiri wenyika uyewo gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo VaEzra Chadzamira, vakatsanangugwa saMambo azere nehuchenjeri neMutungamiri wenyika.
Mambo Charumbira avo vanove ivo vekutanga kusarudzwa kuve mutungamiri wedare rePAP kubva kunyika dzekuchamhembe kweAfrica, vakatanga kuve sachigaro wedare iri mugore ra2022. Dare rePAP rinotonongora, kuteta nekucherechedza matanho ane hudzamu angatogwa mukugadzirisa nhunha nezvigozhero zvinosanganikwa nazvo nenyika dzemuAfrica. Dare iri parizvino rakakwanisa kuvandudza zvisungo zvakawanda kusanganisira mashandiro anoita Komisheni yemuAfrica iyo dare iri rinoti inofanigwa kushanda yakazvimiririra uyewo kuriritigwa zvakasimba kuitira kuti ive nehomwe yayo yemari.
Dare rePAP riri kushangazhikawo zvekare kudzimura moto muhondo dziri kupwipwitika munyika dzemuAfrica dzakadai sehondo iri kuSudan. Chinangwa chiri chekuti muAfrica muve nerunyararo, kugadzikana pamwechete nebudiriro yemandorokwati. Muzinda wePAP uri muMidrand kunyika yeSouth Africa.